6 ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
7 “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? haachazombonzwiri ngonizve here?
8 Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera
9 Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”
10 Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pana izvozvi: makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.”
11 Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.
12 Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.