11 Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.
12 Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
13 Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
14 Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.
15 Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
16 akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.
17 Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.