13 Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
14 Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.
15 Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
16 akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.
17 Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
18 Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
19 Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?