20 Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”
21 Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,
22 nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.
23 Asi akarayira matenga kumusoro akazarura magonhi okumatenga;
24 akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.
25 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.
26 Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.