24 akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.
25 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.
26 Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.
27 Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.
28 Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose.
29 Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.
30 Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,