48 Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.
49 Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.
50 Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.
51 Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.
52 Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.
53 Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.
54 Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.