54 Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.
55 Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.
56 Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.
57 Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.
58 Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59 Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60 Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.