56 Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.
57 Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.
58 Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59 Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60 Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61 Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62 Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.