58 Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59 Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60 Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61 Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62 Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63 Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64 vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.