61 Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62 Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63 Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64 vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.
65 Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini.
66 Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi.
67 Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;