68 asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.
69 Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
70 Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;
71 akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.
72 Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.