10 Ndudzi dzichataurireiko dzichiti, “Mwari wavo aripi?” Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu, kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.
11 Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu; nesimba roruoko rwenyu chengetedzai avo vakatongerwa rufu.
12 Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu, kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.
13 Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu, vachakurumbidza nokusingaperi; kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi, ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.