1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.
2 Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
3 Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,
4 munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?