1 Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!
2 Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.
3 Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;
4 ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho.
5 Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.
6 Iye akati, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu.
7 Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore romutinhiro; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera