1 Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,
2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera
3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.
4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.