1 Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.
2 Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo.
3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka.
4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”
5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,
6 matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,