3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka.
4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”
5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,
6 matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,
7 Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.
8 Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera
9 Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,