5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi here?
6 Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?
7 Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.
8 Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
9 Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.
10 Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.
11 Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.