1 Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi.
2 Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
3 Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
4 Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.
5 Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.
6 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.
7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.