26 Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’
27 Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.
28 Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.
29 Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, chigaro chake choushe chero matenga achingovapo.
30 “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema,
31 kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,
32 ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;