3 Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,
4 ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kumarudzi namarudzi.’ ” Sera
5 Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.
6 Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?
7 Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
8 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.
9 Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.