38 Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.
39 Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.
40 Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.
41 Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.
42 Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.
43 Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.
44 Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.