39 Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.
40 Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.
41 Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.
42 Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.
43 Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.
44 Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.
45 Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera