3 Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”
4 Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.
5 Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,
6 kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.
7 Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.
8 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.
9 Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema.