3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.
4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
5 Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,
6 kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
7 Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri.
8 Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.
9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,