6 kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
7 Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri.
8 Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.
9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,
10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.
11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;
12 vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.