1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,
2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,
3 nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.
4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.
5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!