3 nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.
4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.
5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!
6 Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,
7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.
8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.
9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.