9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.
10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.
11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.
12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;
13 wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.
14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.
15 Vachiparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”