1 Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.
2 Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai zvakafanira vanozvikudza.
3 Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara?
4 Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.
5 Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu.