9 Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here?
10 Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?
11 Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.
12 Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
13 munomuzorodza pamazuva enhamo, kusvikira akaipa achererwa gomba.
14 Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.
15 Kutonga kuchawanikwazve pamusoro pavakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.