1 Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare.
2 Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
3 Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
4 Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
6 Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.