2 Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
3 Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
4 Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
6 Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.
7 Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!
8 Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.