12 sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
13 Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
14 nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.
15 Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;
16 mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.
17 Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pana avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,
18 naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira zvaakatema.