33 nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
34 Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35 asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
36 Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.
37 Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.
38 Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.
39 Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.