1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, paungano yavakarurama napagungano.
2 Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari.
3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.