2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.
3 Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa.
4 Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!”
5 Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi.
6 Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.
7 Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
8 Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,