7 Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
8 Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,
9 kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
10 Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
11 Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
12 Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
13 Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.