9 kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
10 Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
11 Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
12 Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
13 Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.
14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose.
15 Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.