6 Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.
7 Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
8 regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera
9 Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.
11 Vana makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita nechisimba.
12 Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.