16 Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.
17 Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.
18 Vakandinanga nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
19 Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
20 Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.
21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.
22 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.