7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
8 Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.
11 Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.
12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.