6 Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
7 Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
8 “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
9 Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.
10 Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
11 Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
12 Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.