1 Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;
2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
5 Iye achagamuchira mukomborero unobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; musimudzwe, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.