8 Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.
9 Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.
10 Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.
11 Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.
12 Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.
13 Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.
14 Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.