6 Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.
7 Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.
8 Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
9 Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.
10 Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika.
11 Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza.
12 Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika,