1 Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.
2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.
3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.
4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwaari.