4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwaari.
7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
9 Rega kuva sebhiza kana sehesera, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.
10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.