4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera
5 Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.
6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.
7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.
8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.