19 Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa, Sera ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari.
20 Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake.
21 Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.
22 Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
23 Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.